Posts

Showing posts from April, 2017

Mugovera

Nyaya iri kutevera chidimbu chenganonyorwa ichaburwa zvino uno, inonzi ZVATINOITIRANA. Nakigwai. Yha. Ndaita kubhururuka komene sendine mapapiro edzadzura.  Just my luck  kuti zuva randiri kungovhunduka vhunduka zvakadai ndobva ndashongana naTafadzwa nemunun’na wake ndiri ndoga muno muchakasara. Ndingati chii – kuti ndine munyama?  Maybe. Maybe not. It’s just another normal day  muvupenyu hwangu hwezororo rino hwakadai kundiitira chamupidigu pidigu. Iwe ndiwe ungadii iwe – wabva kumakore kwawanga wabhururukira woburukira pana Tafa – munhu wekupedzisira waunoda kuvona pano pasi – uri kusekerera zvake uchirwerwa rute sebere ravona mbudzi yakakuvara makumbo ose pakati pesango. Ndafunga – pamwe Tafadzwa ibere rine zhara ravona mbudzi yakakuvara makumbo ose mudondo zveshuwa. Nekuti wanga uchisekerera vasikana. Chii chiri paari changa chisingasekereri – vhudzi renyemwerero,  face  yenyemwerero, zheve dzenyemwerero, dumbu renyemwerero, makumbo enyemwerero, mavoko enyemwerero. Wal