Posts

Showing posts from 2017

Side B

Zuva remuna October rakareba vakomana; hariviri. Izvozvi kuma5 kuno rinenge riri mudenga umo, richipisa zvekuti heki. Isu tinenge tabva kuno kare kare tadova kusvika kumba. Gumiguru mahwanizve; dei anga asingazopisi se blast furnace yekuRedcliff ndaitoti ndinomufarira zvangu ini. Asi uno haazi Octoberka. Tiri muna July, mai vechando. July wekuno kuMasvingo Province unotonhora zvekuti chando chacho chinenge chichidova kuuzhinji chaiko. Kana chando chawanda chinohi zvando. Foo dzinohosara dzochaya zuva racho ratsvuka, rodotsvoda makomo. Svimhepo sviri kundirova pano svinenge sviri kuseka zuva kuti hapana zvariri kusevenza, nokuti ini ndiri kuchekwa nechando pano, iro richingobwinya riri kumadokero kwenyika richigadzirira kutiza pasi parapwera richigwa nekudziisa. Richikonewa. Riri kundisvota sendadya sadza nemunyu wemabwe. Rakonewa kundidziisavo futi. Ndimire pasi pemupfura wakatarira giraundhi revakomana rebhora, ndakazembera hunde yawo ndichinamata kuti handizonanaigwi nezviny

Mugovera

Nyaya iri kutevera chidimbu chenganonyorwa ichaburwa zvino uno, inonzi ZVATINOITIRANA. Nakigwai. Yha. Ndaita kubhururuka komene sendine mapapiro edzadzura.  Just my luck  kuti zuva randiri kungovhunduka vhunduka zvakadai ndobva ndashongana naTafadzwa nemunun’na wake ndiri ndoga muno muchakasara. Ndingati chii – kuti ndine munyama?  Maybe. Maybe not. It’s just another normal day  muvupenyu hwangu hwezororo rino hwakadai kundiitira chamupidigu pidigu. Iwe ndiwe ungadii iwe – wabva kumakore kwawanga wabhururukira woburukira pana Tafa – munhu wekupedzisira waunoda kuvona pano pasi – uri kusekerera zvake uchirwerwa rute sebere ravona mbudzi yakakuvara makumbo ose pakati pesango. Ndafunga – pamwe Tafadzwa ibere rine zhara ravona mbudzi yakakuvara makumbo ose mudondo zveshuwa. Nekuti wanga uchisekerera vasikana. Chii chiri paari changa chisingasekereri – vhudzi renyemwerero,  face  yenyemwerero, zheve dzenyemwerero, dumbu renyemwerero, makumbo enyemwerero, mavoko enyemwerero. Wal