Posts

Showing posts from October, 2015

Kuchipatara

I am writing my Shona work of fiction. The working title of the novel is provisionally called Zvatinoitirana , and it will be complete soon, though I sometimes have to chain myself to the chair so I can work on the latest chapter.  This chapter is a monologue by one of the novel's protagonists, who has just had a revelation after an unfortunate incident led to an unpleasant sojourn at the hospital. No, it is not a revelation of biblical proportions, but I hope you will enjoy... Chiso chako chiri kuratidza rugare mhai. Chakatsetseka; ende ndiri kuhwa ruvoko gwangu guchivava neshungu dzekuda kutsvanzvadzira kuti ndikokotevo chidimbu cherugare gwakafukidza chiso chako nguva dzino. Asi ma doctor acho andirambidza kuti ndikugunzve; kwahi ndisambokudhistebha zvachose. Kana kuti ndigare muno vanga vasingadi. Kwahi ropa rako rinofanira kumbodzikama nekuti rambobhoira zvekuti kana ukawana chimwe chinhu chinokukanganisa fungwa zvakare, pressure yeropa racho ingakwira zvekuti