Posts

Showing posts from November, 2017

Side B

Zuva remuna October rakareba vakomana; hariviri. Izvozvi kuma5 kuno rinenge riri mudenga umo, richipisa zvekuti heki. Isu tinenge tabva kuno kare kare tadova kusvika kumba. Gumiguru mahwanizve; dei anga asingazopisi se blast furnace yekuRedcliff ndaitoti ndinomufarira zvangu ini. Asi uno haazi Octoberka. Tiri muna July, mai vechando. July wekuno kuMasvingo Province unotonhora zvekuti chando chacho chinenge chichidova kuuzhinji chaiko. Kana chando chawanda chinohi zvando. Foo dzinohosara dzochaya zuva racho ratsvuka, rodotsvoda makomo. Svimhepo sviri kundirova pano svinenge sviri kuseka zuva kuti hapana zvariri kusevenza, nokuti ini ndiri kuchekwa nechando pano, iro richingobwinya riri kumadokero kwenyika richigadzirira kutiza pasi parapwera richigwa nekudziisa. Richikonewa. Riri kundisvota sendadya sadza nemunyu wemabwe. Rakonewa kundidziisavo futi. Ndimire pasi pemupfura wakatarira giraundhi revakomana rebhora, ndakazembera hunde yawo ndichinamata kuti handizonanaigwi nezviny