Posts

Showing posts from March, 2012

Zvatinoitirana

Kuchikoro Zvekare Mwana wakati kabu kushama wakavharira zuva padhoo paari. “Iwe! Uri kudo- ndaifunga kuti uri ku gula ka ini!” Ndamutarira hangu ndiri pandiri pano ndichida kuseka. Nhasi China – rava zuva rechi three ndisingaindi kuchikoro. Ndiri kunyatsa kumuka zvangu kumanaini; a good two hours after vamwe vatanga kudzidza kuVuravhi. Kungoti chete vanenge vasingadzidzi vamwe vacho. Wakambovona kupi chikoro chinotanga vhiki yekuvhura iwe? Vhiki yekuvhura ivhiki yekuvhuraka. Kozoitavo vhiki yekutanga maleseni. Vhiki yekuvhura, almost hafu yevadzidzisi vacho inenge isati yambodzoka. Kozoitavo isu vana nhingirikini tisingadivo zvekuinda kuchikoro vhiki yachinovhugwa. Iwe – saka chinodzidziwa chii vadzidzi vacho nevadzidzisi vasiko? Munhu unodotyira hako vana Steve vari kunyora manje manje kuti vanenge vabikwa vakaibva here kana nguva yekuomeserana yakwana. Zvino kana ini ndikafuma hangu ndivete vhiki ino panenge pakaipeiko? Haikona chero vatete vacho h